Lyrics
INTRODUCTION:
Holy Emanuel King Selasi, Jah, Rastafari, He is the protector of Iyanai.
VERSE 1:
Inguva yekumhanya, vanhu vaye vasoshata, hameno chakavabata, vanotadza kakawanda,
Vakanganwa kwavakabva, votsvaga kuzvifadza, ndopika naBaba Oh,Vese vachaparadzwa.
Avo vanokara, avo vanodada, vanodya vachirasa, vanonwa vachiraradza,
Asi kune vane nzara, vasina chekubata, vanorwara vakawanda vasina anorapa.
Ini ndati...
CHORUS:
Ndiwe Mwari wangu, Ndiwe, x4
Ndiwe Mwari
x2
VERSE 2:
Baba vakanaka, raparidzwa, ndanzwa pasi, ini ndapfugama, monzwa ndichinamata,
Mukuudzwe Baba, nhasi sepakutanga, apo pandinofamba, mundizarurire gwara,
Vakaudzwa vakaramba vakaomarara, vese vakafanana, vaifunga vakangwara,
Vaifunga vakawanda, vaifunga vakahwanda, naMai naBaba, oh, hapana achasara!
Ini ndati...
REPEAT CHORUS
VERSE 3:
Ndiwe Jesu wangu, Ndiwe wakandifira, pamuchinjikwa,
Ropa Rako, rakachururuka, misodzi ikayerera uchidikitira,
Kuti ini, humambo hwako, humambo hwekudenga, ndigopinda,
Ndosaka ini, ndichiKutenda, Ndokunyengetera, ndozvi*****
Inguva yekumhanya, vanhu vaye vasoshata, hameno chakavabata, vanotadza kakawanda,
Vakanganwa kwavakabva, votsvaga kuzvifadza, ndopika naBaba Oh,Vese vachaparadzwa.
Avo vanokara, avo vanodada, vanodya vachirasa, vanonwa vachiraradza,
Asi kune vane nzara, vasina chekubata, vanorwara vakawanda vasina anorapa.
Ini ndati...
REPEAT CHORUS:
VERSE 4
Baba vakanaka, raparidzwa, ndanzwa pasi, ini ndapfugama, monzwa ndichinamata,
Mukuudzwe Baba, nhasi sepakutanga, apo pandinofamba, mundizarurire gwara,
Vakaudzwa vakaramba vakaomarara, vese vakafanana, vaifunga vakangwara,
Vaifunga vakawanda, vaifunga vakahwanda, naMai naBaba, oh, hapana achasara!
Ini ndati...
REPEAT CHORUS TILL END.